Kishore Kumar Hits

Seh Calaz - Dai Hupenyu Hwaitengwa lyrics

Artist: Seh Calaz

album: Souljah Love Tribute


Check check check
Na-na-na-na-na-na
Na-na-na-na (I know, l know)
So- So- So-
Iyeiye iyeiye
Ndafunga kure, rega ndishaure
Mundidaire (Oskid Production)
Mhamha ndakusuwai, ndakusuwai
Izwi renyu ndarikanganwa
Amai kani taurai
Sauro ndakusuwa, ndakusuwa
Chingoti, "Chibabababa"
Kuti ndizive uri fine
Dai hupenyu hwaitengwa
Ndainotenga hwamai vangu
Ndigare ndichifara navo
Ndinavo nhasi, nhasi
Dai hupenyu hwaitengwawo
Ndainotenga hwamai vangu
Ndigare ndinavo
Ndichifara ndinavo
Oh-h oh-h oh-h oh-h
Yuhwi yuhwi
Oh-h oh-h oh-h oh-h
Yuhwi yuhwi
Indangariro, musi wakaita mariro
Amai vangu, nhasi uno ndinochema
Indangariro, musi wakaita mariro
Amai vangu, nhasi uno ndinochema (ndinochema)
So- So- So- So-
Iye iye

Dai hupenyu hwaitengwa
Ndainotenga hwamai Tawanda
Ndigare ndinavo
Ndinavo nhasi
Dai hupenyu hwaitengwawo
Ndainotenga hwasahwira wangu
Sauro Sauro
Chingodzoka kani mumwe wangu
Dai hupenyu hwaitengwa
Iwewe ndaikutenga
Unoziva ndaikutemba
Kwatakabva tese wega you remember
Unoda ndiite sei?
Mafans ako anoita sei?
Ndiani acharova mangoma kwoedza?
Achadya zvawakaseenza (ngwendeza)
Ini zvangu wandirwadzisa
Kuri kubhora toti wadyisa
Wandibaya chitaka, haungangoyerekana wafa
Wadarirei? (wadarirei?)
Wadarireiko Sauro?
Watsamwei?
Wanga watsamwei Sauro?
Dai hupenyu hwaitengwa
Ndainotenga hwamai vangu
Ndigare ndichifara navo
Ndinavo nhasi, nhasi
Dai hupenyu hwaitengwawo
Ndainotenga hwamai vangu
Ndigare ndinavo
Ndichifara ndinavo
Dzimwe nguva ndinombokuchiva (chiva)
Ikoko kumabudazuva (zuva)
Ndoziva ichakwana nguva
Ndichabhururuka ndichiuya ikoko senjiva
Hakuna zvinorema
Hakuna nguva yekuchema
Kuzorora tasangana nevachinda vese vakatungamira
Ndichavaona mhamha
Ndichavaona gogo
Ndichamuona futi Sauro aberekwa namai vake netauro
Achivaudza zvaimushungurudza
Satan paaimukungurutsa
Hama dzichingomuvhurumutsa
Hutano haana kuzvisarudza
Vachimupukuta misodzi
Ichingoyerera misodzi
Vachiti chirega kuchema mwanangu
Handichakusiya futi
Handichakusiya futi (mwanangu)
Handichakusiya futi (mwanangu)
Handichakusiya futi
Mwanangu handizvipamhe futi
Oh my oh my oh my oh my

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists