Simplex Music
I know, l know
So-so-so-(check! Check!)
Pavanofamba inini ndongosara
Pandinosuwa ivo vanofara
Pavano-feeder ndenge ndine nzara
Pavari fit inini ndichingorwara
Hupenyu hwacho hawumbofaya
Kugara ndakabata shaya ndichingogaya
Amai vangabudikire ndigomhanya
Ndichengeteiwo Messiah nekuti ndiri nherera
Handina wekuchemera
Mwari vanondiwonera
Ndoritenda denga
Ndiroka rinondigonera nekuti ndiri nherera
Handina wekuchemera
Mwari vanondiwonera
Ndoritenda denga, iro denga
Follow mi den
Kubva paya baba namai pavakashaya
Hona isu takatanga kutokanga waya
Madhiri yangu ose ini haachatofaya
Kumba kwedu zvinogara zvakakiya
Vaimbowuya kumba vana babamukuru
Vaigara variko namaiguru
Vakarera kumba kwedu vazukuru
Hapachina anouya pane vanhu vese vakuru
Ndiri (nherera), ndiri nherera
Handina wekuchemera
Saka nekuti ndiri nherera
Handina wekuchemera
Mwari vanondiwonera
Ndoritenda denga ndiroka rinondigonera
Nekuti ndiri nherera
Handina wekuchemera
Mwari vanondiwonera
Ndoritenda denga, iro denga
Follow mi den
Vakaenda ndichiri mudiki diki
Pandaibvunza ndainyaradzwa ne-sweet
Ndaisamboziva, ndaitongovawo murima
Asi pandaikura vangonditi baba namai vakaenda mhiri
Handina kuzvisarudza
Izvozvo ndozvandiri
Ndiri nherera
Izvozvo ndozvandiri
Vaizvivanza, vaisada zvindirwadze
Asi kura uwone
Zvimwe vaibhata bhata
Zvisandibata-bata
Asi kura uwone
Tawanda kura uwone
Nhamo kura uwone
Sauro kura uwone
Zvinorwadza kuve nemutoro
Ndiri nherera
Handina wekuchemera
Mwari vanondiwonera
Ndoritenda denga ndiroka rinondigonera
Nekuti ndiri nherera
Handina wekuchemera
Mwari vanondiwonera
Ndoritenda denga, iro denga
Follow mi den
So-so-so-
Captain Dhumara akaparara
Ah ndanyarara
Ah zvanyanya
Haasi ma-funnies
Rest in peace mai Jena
Check! Check! Check!
Simplex Music! Yala Nation (Yala Nation)
Поcмотреть все песни артиста
Other albums by the artist