Kishore Kumar Hits

Charles Charamba - Handidi Naye lyrics

Artist: Charles Charamba

album: Early Hits


Vakauya kwandiri vehama
Vakataura neni, siyana naye
Vakauya kwandiri vehama
Ndokutaura neni, siyana naye
Jesu wako waunonamata
NdiMwari wavachena usamunamata
Jesu wako waunonamata
NdiMwari wevarungu usamunamata
Ini ndokuti kwete Jesu ndomuziva saMwari
Ndichamunamata, ndichamurumbidza
Ini ndokuti kwete, ah-ah, Jesu ndiMwari
Ndichamunamata, ndichamurumbidza
Kwete, kwete ndaramba
Handidi naye Jesu wangu
Kwete, kwete ndaramba
Handidi naye Jesu wangu
Pfuma yangu nezvimwe zvandiinazvo
Mudikani ungatora, kwete Jesu
Zvokwadi yangu yakavepo neropa
Handingairase, handingaitengese
Zvokwadi yangu yakavapo neropa
Handingairase, handingaitengese
Ini handidi, handidi naye
Ini handidi, handidi naye
Ini handidi, handidi naye
Ini handidi, handidi naye
Oh-yeah, oh-yeah ndaramba
Handidi naye Jesu wangu
Oh-yeah, ndaramba
Handidi naye Jesu wangu

Vakauya kwandiri vehama
Ndokutaura neni, siyana naye
Ini ndokuti kwete Jesu uye ndiMwari
Ndichamunamata, ndichamurumbidza
Ndikafunga upenyu hwandiinawo
Ndakapiwa naJesu, ndomuramba sei?
Ndikafunga zvaakandiitira
Zvinotyisa Jesu, ndomuramba sei?
Kana ndikafunga zvandiri vehama
Ndakaitwa naJesu, ndomuramba sei?
Chimiro chandiinacho, zvandiri vehama
Ndakaitwa naJesu, ndomuramba sei?
Nemhuri yandinayo, pfuma yandinayo
Akandipa Jesu, ndomuramba sei?
Mhuri yandinayo, makore andinawo
Ndakapiwa naJesu, ndomurambirei?
Kunyangwe nechivimbiso chokuenda kudenga
Akandipa Jesu, ndomuramba sei?
Kunyangwe nechivimbiso chokuenda kudenga
Ndakapiwa naJesu, ndomuramba sei?
Utano hwandiinawo, upenyu hwandiinawo
Ndakapiwa naJesu, ndomuramba sei?
Ini handidi ini, handidi naye
Ini handidi ini, handidi naye
Ini handidi ini, handidi naye
Ini handidi ini, handidi naye
Uh

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists