Sarudzai
Imi sarudzai
Nguva yatiri ino yaoma
Ndati sarudzai Mwari wamunoda
Sarudzai
Ndati sarudzai
Gore ratiri rino raipa
Baba sarudzai Mwari wamava kuda
Upenyu hwangu kubva ndiri mudiki
Ndaingobatiswa zvandaisaziva
Ndawana nyasha handichada
Upenyu hwangu kubva karekare
Ndainamata vamwari vakafa
Ndawana nyasha hazvichagona
Kana ndirini nemhuri yangu
Ndichanamata Mwari mupenyu
Ndorumbidza Jehovah
Hallelujah
Kubva zvino nemhuri yangu
Ndave kunamata Mwari mupenyu
Ndomuvonga Jehovah
Oh, ngarumbidzwe Mwari wedu (pasi naye Satan)
Ngarumbidzwe hallelujah (pasi naye Satan)
Ngaarumbidzwe Mwari wedu (pasi naye Satan)
Ngaarumbidzwe hallelujah (pasi naye Satan)
Ngavavongwe baba vedu (pasi naye Satan)
Ngavavongwe hallelujah (pasi naye Satan)
Ngarumbidzwe Ishe Jesu (pasi naye Satan)
Asi ndati pasi naye Satan (pasi naye Satan)
Pasi naye Satan (pasi naye Satan)
Ndati pasi naye Satan (pasi naye Satan)
♪
Sarudzai
Ndati sarudzai
Mwaka watave uno waoma
Hama sarudzai Mwari wamave kuda
Tarira uone
Ho tarira mukoma
Patasvika pamharadzano
Iwe sarudza Mwari wawave kuda
Tarira uone
Tarira mukoma
Patasvika pamharadzano
Sarudza Mwari waunoda
Chisimudza musoro tarira uone
Gehena zvino rotungidzwa
Sarudza Mwari waunoda
Chisimudza musoro tarira uone
Jesu wouya nemumakore
Sarudza Mwari wawava kuda
Upenyu hwangu kubva ndiri mudiki
Ndaingobatiswa zvandaisaziva
Ndawana nyasha hazvichagona
Ho ndaifunga ini nguva yangu
Yakaparadzwa nasatan
Kuparara baba
Ko ndavafunga ini vana vangu
Vandakaripisa dzingozi
Kuenda vese
Yakaenda ini nguva yangu
Yakatorwa nasatan
Kuparara baba
Ini ndaifunga baba pfuma yangu
Yakaparadzwa nasatan
Kuenda baba
Zvamunondiona mavanga andinawo
Ndakapiwa nasatan
Sarudzai Mwari wamunoda
Zvamunondiona mavanga andinawo
Ndakapiwa nasatan
Imi sarudzai Mwari wamava kuda
Ndaiva mupfumi hurombo hwandinahwo
Ndakapiwa nasatan
Ndakaberekwa ndiri mupfumi
Zvamunondiona hurombo hwandinahwo ndakapiwa nasatan
Imi sarudzai Mwari wamava kuda
Hazvina mhosva ndazomuwana
Ndamuwana muchinda werugare
Ndamuwana Jesu ndoenda naye
Hazvinei ndazomuwana
Ndamuwana muchinda werugare
Ndamuwana Jesu ndoenda naye
Iye ngarumbidzwe Mwari wedu (pasi naye Satan)
Ngarumbidzwe hallelujah (pasi naye Satan)
Ngavavongwe Baba venyasha (pasi naye Satan)
Ngaarumbidzwe hallelujah (pasi naye Satan)
Pasi naye satan (pasi naye Satan)
Ndati pasi naye satan (pasi naye Satan)
Ndati pasi naye satan (pasi naye Satan)
Pasi naye satan (pasi naye Satan)
Ngarumbidzwe Ishe Jesu (pasi naye Satan)
Ndati pasi naye Satan (pasi naye Satan)
Ngavavongwe Baba venyasha (pasi naye Satan)
Asi ndati pasi naye Satan (pasi naye Satan)
Ngaavongwe Ishe Jesu (pasi naye Satan)
Asi ndati pasi naye Satan (pasi naye Satan)
Поcмотреть все песни артиста
Other albums by the artist