Kishore Kumar Hits

Charles Charamba - Ndinokakama lyrics

Artist: Charles Charamba

album: Exodus


Mwari munonditumirei kuIjipita muchiona ndinokakama?
Munonditumirei kuye kuye, Mwari inga ndinokakama?
Kana ndichinge ndokurukura nevanhu venyu ndinoti ndatumwa nani?
Ehe vachandibvunza, "Watumwa nani", ndinoti ndatumwa nani?
Ishe ini ndini aniko wamungatuma kukutorerai vanhu venyu?
Mwari ini ndini aniko wamungatuma kundotora vanhu venyu?
Ini handigoni kutaura, kubvira nokubvira
Kubva ndichimudiki rurimi rwunononoka
Handigoni kutaura, kubvira nokubvira
Kubva ndichimudiki rurimi rwunononoka
Mwari tsvagai mumwe, wamungawana
Wamungatuma, kwete ndinokakama
Mwari tsvagai mumwe wamungawana
Wamungatuma, inini ndinokakama

Hurema hwako, hurema hwako
Husakutadzise kushandira Mwari wako
Hurema hako, hurema hwako
Husakutadzise kushandira Mwari wako
Kunyangwe ukasvika pagungwa rakatsamwa
Jehovah vanotsemura upinde
Nyangwe ukasvika pagungwa rakashatirwa
Jehovah vanotsemura upinde
Kunyangwe ukasvika pamvura dzinovava
Jehovah vanoshandura imwike
Ndatika paMara pamvura dzinovava
Jehovah vanoshandura imwike
Kunyangwe murenje munzvimbo musina nemvura
Uchamwa yemudombo nekuti Jehovah ndiMwari
Kunyangwe murenje munzvimbo musina nemvura
Uchamwa yemudombo nekuti Jehovah ndiMwari
Peace be unto you

Mwari munonditumirei kuIjipita muchiona ndinokakama?
Baba kana ndichinge ndava kutaura nevanhu venyu ndinoti ndatumwa nani?
Kana vachindibvunza, "Watumwa nani", ndinoti ndatumwa nani?
Koo, ini ndini aniko wamazotuma kundotora vanhu venyu?
Ini handigoni kutaura, kubvira nokubvira
Kubva ndichimudiki rurimi rwunononoka
Ishe handigoni kutaura, kubvira nokubvira
Kubva ndichimudiki rurimi rwunononoka
Mwari tsvagai mumwe, wamungawana, wamungatuma
Kwete ndinokakama
Mwari tsvagai mumwe wamungawana, wamungatuma
Kwete ndinokakama
Hurema hwako, hurema hwako
Husakutadzise kushandira Mwari wako
Hurema hako, hurema hwako
Husakutadzise kushandira Mwari wako
Kunyangwe ukasvika pagungwa rakatsamwa
Jehovah vanotsemura upinde
Kunyangwe ukasvika pagungwa rakashatirwa
Jehovah vanotsemura upinde
Ndatika paMara pamvura dzinovava
Jehovah vanoshandura imwike
Nyangwe paMara pamvura dzinovava, Jehovah vanoshandura imwike
Kunyangwe murenje munzvimbo musina nemvura
Uchamwa yemudombo nokuti Jehovah ndiMwari
Yee

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists