Kishore Kumar Hits

Charles Charamba - Mviro mviro Part 2 lyrics

Artist: Charles Charamba

album: Exodus

Waive murangariro wavo vanhuka
Kufunga funga kwaita vaparare
Waive murangariro wavo vanhuka
Kufunga funga kwaita vaparare
Vamwe vakati kuna Noah
Ehe ngarava takavaka tese
Mvura ndaimirira ndaneta
Ndichauya kana konaya
Vamwe vakati kuna Noah
Uri mwana wamai vangu
Hee, Noah pahukama
Undirangarire
Vamwe vakati kuna Noah
Unaziva kwaunogara
Ndini sadunhu wako
Undirangarirewo
Vamwe vakati kuna Noah
Kumunda kwatinorima
Kune makomo makuru
Tichandoponera ikoko
Vamwe vakati kuna Noah
Ini ndiri mukuru pabasa
Apa pakuvaka areka
Uchandipa chigaro chipiko
Waive murangariro wavo uyu (waive murangariro wavo vanhuka)
Waive murangariro wavo vanhuka (kufunga funga kwaita vaparare)
Hoo, woihere (waive murangariro wavo vanhuka)
Hoo hoyere (kufunga funga kwaita vaparare)
Hoo here woo here (waive murangariro wavo vanhuka)
Hoo hoyere (kufunga funga kwaita vaparare)
Jehovah Mwari kusamuteerera kuno urayisa (waive murangariro wavo vanhuka)
Hona mukoma (kufunga funga kwaita vaparare)
Jehovah Mwari kusamuteerera kunopondesa (waive murangariro wavo vanhuka)
Hona mukoma (kufunga funga kwaita vaparare)
Kunyangwe nazvino kusateerera kunopondesa (waive murangariro wavo vanhuka)
Hoo hoyere (kufunga funga kwaita vaparare)
Nyangwe nazvino kusateerera kunobaisa (waive murangariro wavo vanhuka)
Teerera mukoma (kufunga funga kwaita vaparare)
Ndiwo maperero adzakaita hama dzedu dzekutanga (waive murangariro wavo vanhuka)

Kufunga funga, murangarirowo (waive murangariro wavo vanhuka)
Ndiyo mviro mviro yekuparara (kufunga funga kwaita vaparare)

(Waive murangariro wavo vanhuka)
Hona mukoma (kufunga funga kwaita vaparare)
Hoo, woihere (waive murangariro wavo vanhuka)
Hoo hoyere (kufunga funga kwaita vaparare)
Vamwe vakati kuna Noah
Isu tiri vekuma Zimbabwe tinoera chapungu
Tinongoponera mudenga
Vamwe vakati kuna Noah
Isu tinoshanda nenguva
Izvi zvekusvika manheru
Kwete Noah toonana
Vamwe vakati kuna Noah
Ndakabarwa ndiri ndega
Ndokuzvikurira ndega
Ndichavaka yangu ndega
Vamwe vakati kuna Noah
Isu tiri vaera soko
Zvekusvetuka togona
Ngakunaye uone
Vamwe vakati kuna Noah
Kubasa kwandinoshanda nguva inondinetsa
Teerera Noah
Zvatingaita Noah, iwe chindovaka areka
Kana mvura yauya ndichazokupawo pashoma
Mumwe aiyera mvuvu
Zvikanzi nyaya yamandiudza yandishamisa zvikuru
Ndakabarirwa mumvura
Ndakakurira mumvura
Vana vangu vari mumvura
Bva mvura ngainaye nemusha wangu wakurawo
Uyu waiyera mvuvu
Zvikanzi nyaya yamataura yandityisa zvikuru
Ndakabarirwa mumvura
Ndakakurira mumvura
Vana vangu vari mumvura
Bva mvura ngainaye dunhu rangu rakurawo
Waive murangariro wavo uyu (waive murangariro wavo vanhuka)
Waive murangariro wavo vasikana (kufunga funga kwaita vaparare)
Hoo, woihere (waive murangariro wavo vanhuka)
Hoo hoyere (kufunga funga kwaita vaparare)
Jehovah Mwari kusamuteerera kuno urayisa (waive murangariro wavo vanhuka)
Teerera mukoma (kufunga funga kwaita vaparare)
Jehovah Mwari kusamuteerera kuno urayisa (waive murangariro wavo vanhuka)
Hoo, hoyere (kufunga funga kwaita vaparare)
Kunyangwe nazvino kusateerera kunopondesa (waive murangariro wavo vanhuka)
Hona mukoma (kufunga funga kwaita vaparare)
Kunyangwe nazvino kusateerera kunobaisa (waive murangariro wavo vanhuka)
Hoo, hoyere (kufunga funga kwaita vaparare)
Ndiwo maperero adzakaita hama dzedu dzekutanga (waive murangariro wavo vanhuka)
Hoo, hoyere (kufunga funga kwaita vaparare)
Ndiwo maperero adzakaita hama dzedu dzekutanga (waive murangariro wavo vanhuka)
Hona mukoma (kufunga funga kwaita vaparare)
Kufunga funga, murangarirowo (waive murangariro wavo vanhuka)
Ndiyo mviro mviro yekuparara (kufunga funga kwaita vaparare)

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists