Kishore Kumar Hits

Charles Charamba - Tichazovei? lyrics

Artist: Charles Charamba

album: Exodus


Mwari tumirai shoko munondo unobaya zvitadzo zvenyika
Ishe tumirai shoko munondo unobaya zvitadzo zvenyika
Mwarika ndikafunga kwatave kuenda pamazuva edu Mwari
Baba ndochema
She ndikafunga koenda nyika makore edu Mwari
She ndochema
Mwarika kugarisana takonewa munyika dzedu Mwari
She tichazovei
Iko kutendeka takarasa kare kare Mwari
She tichazovei
Vana mai nana baba maoko atsvuka ropa ihondo yoga
Vari kubayana
Vanakomana vedu vakapanduka migwagwa haichafambike
Vose dzave mhandu
Vanakomana vedu vakapanduka migwagwa haichafambike
Baba dzave mhandu
(Tichazovei baba) baba tichazoveiko
(Tichazovei baba) tichazoveiko
(Tichazovei baba) amen alleluyah, tichazovei
(Tichazovei baba) amen alleluyah, tichazoveiko
(Tichazovei baba) vana vachangoberekwa vachazovei
(Tichazovei baba) pavanokura vachazoveiko
(Tichazovei baba) gore rinouya baba nerinouya
(Tichazovei baba) nerinouya iro, hoo baba nerinouya
(Tichazovei baba) She nerinouya, baba nerinouya
(Tichazovei baba) nerinouya iro

Mwari tumirai shoko munondo unobaya zvitadzo zvenyika
Iya hanzvadzi yedu wataivimba naye
Akarasa mwana musango dema
Mwanasikana uye nhumbu hachisina
Mwana akaraswa kusango uko
Akamusiya mwana achingochema
Achingochema, achingochema
Kumuti tsvete mwana musango kumusiya ega
Havo amai vaenda vondofara
Kumuti tsvete mwana musango kumusiya ega
Havo amai vaenda vondofara
Rima rehusiku rakamuwanapo
Mwana angori ega achingochema
Mapere akasvika mwana ndokunyarara
Zvimwe ndimai vadzoka ndiberekwe kumusana
Zvikara zvakasvika mwana ndokunyarara
Achiti ndimai vadzoka ndiberekwe kumusana
Akamudya mapere achingochema
Mwana achingochema, achingochema
Zvakamudya zvikara achingochema
Mwana waingochema, achingochema
(Tichazovei baba) baba tichazoveiko
(Tichazovei baba) alleluyah tichazoveiko
(Tichazovei baba) amen alleluyah, tichazovei
(Tichazovei baba) amen alleluyah, tichazoveiko
(Tichazovei baba) vana vanoberekwa vachazovei
(Tichazovei baba) She pavanokura vachazoveiko
(Tichazovei baba) mwaka unouya, baba neunouya
(Tichazovei baba) neunouya uyo, nemwaka unouya
(Tichazovei baba) umwe unouya, baba neunouya
(Tichazovei baba) neunouya uyo

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists