Ndiri munana
Ho baba ndiri munana
Vanondida vose ngavazive kuti ndiri munana
Ndiri munana
Ho baba ndiri munana
Vanonzwa nezvangu ngavazive kuti ndiri munana
Handizive ndichavapeiko
Vandinochengeta, handizive ndichavapeiko
Nguva yekudya, ndichabatidza moto
Chokudya chichavepo
Choto mumba mangu choziva kuti ndiri munana
Handizive ndichavapeiko
Vandinotarira, handizive ndichavapeiko
Nguva yekudya, ndichabatidza moto
Chokudya chichavepo
Choto mumba mangu choziva kuti ndiri munana
Ndiri munana
Ho baba ndiri munana
Nhamo dzenyika dzose ngadzizive kuti ndiri munana
Ndakapotsa ndaparara, Ishe vakachengeta
Ndakapotsa ndakuvara, zvakaipisisa
Nhasi uno ndopupura Ishe vakachengetawo
Nezuro wanguwo ngaazive ndiri munana
Ndakapotsa ndaparara, Ishe vakachengeta
Ndakapotsa ndakuvara, zvakaipisisa
Nhasi uno ndopupura Ishe vakachengetawo
Nezuro wanguwo ngaazive ndiri munana
Ndiri munana
Ho baba ndiri munana
Zvirwere zvese zvese ngazvizive kuti ndiri munana
Ndingashaye zvandinoda, hongu kwechinguva chino
Ndingataridzika sendakundikana
Rugare ndicharuwana, zuva richingobuda
Remangwana rangu ngarizive kuti ndiri munana
Ndingashaye zvandinoda, hongu kwechinguva chino
Ndingataridzika sendakundikana
Rufaro ndicharuwana, zuva richingobuda
Remangwana rangu ngarizive kuti ndiri munana
Ndiri munana
Ho baba ndiri munana
Mhepo dzenyika dzose ngadzizive kuti ndiri munana
♪
Ndiri munana
Ho baba ndiri munana
Vanonzwa nezvangu ngavazive kuti ndiri munana
Ndinoverengwa panyika
Panyika pane zvitadzo
Neni ndiri mutadzi ndinokundikanawo
Handikanganwe kuti ndiri munana
Zvivi zvenyamawo ngazvizive kuti ndiri munana
Ndinoverengwa panyika
Panyika pane zvitadzo
Neni ndiri mutadzi ndinokundikanawo
Handikanganwe kuti ndiri munana
Zvivi zvenyamawo ngazvizive kuti ndiri munana
Ndiri munana
Ho baba ndiri munana
Zvivi zvenyamawo ngazvizive kuti ndiri munana
Ndakadyiswa zviro zvakawanda kuvavarira kuti ndife
Kutorerwa zvandaiva nazvo kuti ndigova murombo
Kupomerwa mhaka dzisi dzangu kuti ndishaye chiremera
Pasi rose richaziva rose kuti ndiri munana
Ndakanzi ndafawo kakawanda
Hezvo ndingori pano
Ndikanzi ndaenda kusingadzokwi
Hezvo ndingori pano
Ndikataurwa zita kakawanda
Ko hezvo ndingori pano
Vanhu vose vachaziva kuti ini ndiri munana
Ndiri munana
Ho baba ndiri munana
Vanondivenga ngavazive kuti ndiri munana
Ndiri munana
Ho baba ndiri munana
Vanondifarira ngavazive kuti ndiri munana
Ndiri munana
Ho baba ndiri munana
Mhepo dzenyika ino ngadzizive kuti ndiri munana
Поcмотреть все песни артиста
Other albums by the artist