Kishore Kumar Hits

Alick Macheso - Kurarama Inyasha lyrics

Artist: Alick Macheso

album: Tsoka Dzerwendo (Ayayaa)


Vararami tose tiri kurarama munyika ino yaMwari
Tingati here huchenjeri hwedu, hwokuwanikwa tichinge tichirarama nhaiwe?
Murarami wose ari kurarama, ari mupasi rino raYave
Hakuna angati hungwaru hwake oga, hwekuwanikwa achinge achirarama nhaiwe
Tinorarama nenyasha (kurarama inyasha)
Tinorarama nenyasha dzedenga (kurarama inyasha dzaShe)
Tinorarama nenyasha (kurarama inyasha)
Tinorarama nenyasha dzedenga (kurarama inyasha dzaShe)
Nenyasha dzaShe
Varipo vamwe vanokanganwa kuti Yave Mwari variko
Vanoita zvavo dambe nehupenyu, vanozowanikwa vachichema ramangwana nhaiwe
Mwari havanete kutiyeuchidza, nguva dzese, zuva nezuva
Vapi nevapi, uyo neuyo zvake, ndivo chete mupi wehupenyu hwedu
Avo neavo (kurarama inyasha)
Uyo neuyo (kurarama inyasha dzaShe)
Ini newe (kurarama inyasha)
Uyo neuyo (kurarama inyasha dzaShe)
Inyasha dzaShe
Tiri panyika, tisu tinorarama nekuda kwenyasha dzaMwari
Havagoni kuti vati, chawada iwe kuti chiitike kune mumwe semafungiro ako
Hupenyu ihwohwo hwatinorarama pamusoro penyika ino yaMwari
Tinohuwana kubva kunaani wacho, asiri mumwe kunze kwavo Mwari chete
Tinorarama nenyasha (kurarama inyasha)
Nyasha (kurarama inyasha dzaShe)
Nyasha (kurarama inyasha)
Tinorarama nenyasha dzedenga (kurarama inyasha dzaShe)
Nenyasha dzaShe

Tinorarama nenyasha (kurarama inyasha)
Tinorarama nenyasha dzedenga (kurarama inyasha dzaShe)
Ava neavo (kurarama inyasha)
Avo neavo (kurarama inyasha dzaShe)
Nenyasha dzaShe
Uyo neuyo (kurarama inyasha)
Ini newe (kurarama inyasha dzaShe)
Iwe naye (kurarama inyasha)
Tinorarama nenyasha dzedenga (kurarama inyasha dzaShe)
Nenyasha dzaShe, Tenzi wangu

Vanengoni, vanenyasha, Mwari vangu makativambutsa wani
Kwatakabva makativambutsa Mwari wangu
Patave nhasi, mazotivambutsa wani
Nekwatichaenda muchativambutsa Mwari wangu
Vanengoni, vanenyasha, Mwari vangu makativambutsa wani
Kwatakabva makativambutsa wani
Nepatiri nhasi, mazotivambutsa wani
Nekwatichaenda muchativambutsa wani
Ndimi chete Mwari wangu wee, imi Makati Yave
Misengwa yose Mwari wangu wee

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists