Kishore Kumar Hits

Stella Chiweshe - Mhandu Ye Hove lyrics

Artist: Stella Chiweshe

album: Double Check


Here mambure maaona ayo

Here mambure maaona ayo

Kana hove dziri mumvura zviye izvi
Mhandu yehove munhu
Chadzinenge dzichingotya munhu
Zvino kana ariiwo mambure awa
Ndiwo adzinonyanya kutya
Izvi zvirauro izvi
Zvinomboita zvichinzvengwa nzvengwa

Dai pane hove kumadziva kuye
Tinoona hove imwe chete ichiti
Kuti svetu, kuti noto, kuti svetu, kuti noto
Kunenge kuri kutarira kuti kunze kwakanaka here
Hakuna here mhandu

Zvino kana mambure aya awonekwa
Here mambure maaona (ehe taaona)
Here mambure maaona (ehe taaona)
Here mambure maaona (ehe taaona)

(Ehe taaona)
(Ehe taaona)
(Ehe taaona)
(Ehe taaona)
(Ehe taaona)
(Ehe taaona)
(Ehe taaona) here mambure maaona ayo

Mhandu yehove munhu
Kana hove dziri mumvura zviye izvi
Chadzinenge dzichingotya munhu
Zvino mungaine paine hove paya
Tinoona imwe chete ichisimuka ichiti
Tibu, nyondo, tati tibu, tati nyondo, tati tibu, tati nyondo
Kunenge kuri kutarira kuti tione kuti kunze kwakachena here uko
Hakuna ivo vemambure ava
Ivo vezvirauro ava
Zvirauro zvirinani munomboti nzvee, nzvee, nzvee, nzvee
Zvino kana mambure aya awonekwa
Zvino kana mambure aya awonekwa
Tibu kuti nyondo

Here mambure maaona (ehe taaona)

Here mambure maaona (ehe taaona)

Here mambure maaona (ehe taaona)

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists