Kishore Kumar Hits

Thomas Mapfumo - Pasi Paenda lyrics

Artist: Thomas Mapfumo

album: Chimurenga Rebel/Manhungetunge


Se se se pasi paenda muchiona
Se se sere hapasisina mufaro
Pasi pano rave gehena vakomana
Kuseka nhamo harusi rugare
Se se sere vanhu vapanduka muchiona
Havachatya Mwari Musiki mufunge
Vanoponda vachizviita vanaMwari
Vakanganwa kuti Musiki ariko
Pasi paenda muchiona
Pasi paenda muchiona
Vanhu vapanduka mufunge
Vanhu vapanduka mufunge
Kuba kwanyanya mufunge
Kuba kwanyanya mufunge
Hupombwe hwanyanya mufunge
Hupombwe hwanyanya mufunge

Pasi pano hapasisina rukudzo
Panyika pano hapasisina mutemo
Vanofamba Baba vasina kupfeka
Vanoshora midzimu yavo mufunge
Zvakanyorwa zvese mubhuku raMwari
Zvirwere izvo zvisingarapike
Vamwe vanhu mazuva ano mufunge
Chenjeraiwo ndiko kuguma kwepasi
Mwari vatsamwa muchiona
Mwari vatsamwa muchiona
Zvitema zvawanda mufunge
Zvitema zvawanda mufunge
Humhondi hwawanda mufunge
Humondi hwawanda mufunge
Husvinhu hwanyanya mufunge
Husvinhu hwanyanya mufunge

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists