Kishore Kumar Hits

Kudzie NyaKudya - Ngatimukudze(traditional Hymn) lyrics

Artist: Kudzie NyaKudya

album: Mabasa


Ngatimukudze Mwari
Nemwoyo inofara,
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.
Anoraira zuva
Rivhenekere nyika:
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.
Zvinhu zvose zvipenyu
Zvinoponiswa naye,
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.
Anotikwanisawo
Anoda kukumbirwa;
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.
Kana tiri panhamu
Tinochengetwa isu;
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.
Mwana wake wakafa
Kuti tipinde denga;
Tsitsi dzake ihuru
Dzinoitirwa isu.
Ngatimukudze Mwari
Nemwoyo inofara;
Tsitsi dzake dziripo
Dzisingaperi idzo.

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists