Kishore Kumar Hits

Leornard Karikoga Zhakata - Kingston Yevaviri lyrics

Artist: Leornard Karikoga Zhakata

album: Ndingaite Sei?


Vadikani kusaziva hufa
Ndiziviseiwo pandisinga zive
Vadikani kusaziva hufa
Ndiziviseiwo pandisinga zive
Vanganiko vakagona zvose
Zvigowoneka nekuyemurikazve
Vanganiko vakagona zvose
Zvigowoneka nekuyemurikazve
Shoko rekuti rudo tingari ziva tose
Asivano runzwisisa vashoma kwazvo
Shoko rekuti rudo tingari ziva tose asivano runzwisisa vashoma choose.
Ndorega kupedza nguva
Rega ndibate mongo wenyaya
Ndorega kupedza nguva
Rega ndibate mongo wenyaya
Wangu mudiwa ndokunyore gwaro
Ini kusaziva kuti takavirikidza
Wangu mudiwa ndokunyore gwaro
Ini kusaziva kuti kunechimwe
Chido chemoyo
Ndotarisa taratadzo yezita
Wanike ndiye wakapika nechinyoreso
Ndotarisa taratadzo yezita
Wanike ndiye wakapika nechinyoreso
Nhayi mudiwa wakanyore tsamba
Mudiwa wangu wakanyore tsamba iwewe
Wakanyore tsamba mumwe wangu
Waka nyore tsamba iwewe
Ini kusaziva togere zvedu urisamusha mumwe wangu
Ini kusaziva tigere zvedu urisamusha
Ndichange ndiri king iwe uri queen tichizvitonga mudumba kedu
Heniwe yeh Heniwe
Heniwe yeh Heniwe
Heniwe yeh Heniwe
Nemi vahera munoona sei mumana menyu imomo
Nemi vahera munoona sei mumana menyu imomo
Taidawo kumisa kadumba kedu naHeniwe
Taidawo kumisa kadumba kedu naHeniwe
Dziri nhungo motombotsveta pasi asati auya
Nemi varozvi munoona sei mumana menyu imomo
Nemi varozvi munoona sei mumana menyu imomo
Taidawo kuvakawo kadumba kedu ikoko
Taida kuvakiridza zimba rematongo roondomoka
Hatidi sabhuku anotsikirira pfungwa dzevamwe
Hatidi sabhuku anotsikirira pfungwa dzevamwe
Heniwe yeh Heniwe
Heniwe yeh Heniwe

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists