Kishore Kumar Hits

John Chibadura & Tembo Brothers - Yemurawo lyrics

Artist: John Chibadura & Tembo Brothers

album: Mutumwa


Mwana wangu terera kani zvandinotaura
Rusiya mwanangu
Mwana wangu terera kani zvandinotaura
Terera mwanangu
Mwana wangu terera kani mubereki mukuru
Rusiya mwanangu
Mwana wangu terera mubereki ndiMwari
Rusiya mwanangu
Moyo muchena wavo yemurawo mwanangu
Kubvira uri mucheche vachikurera
Moyo muchena wavo yemurawo mwanangu
Kubvira uri mucheche vachikuchengeta
Kushinga kwaamai yemurawo mwanangu
Mwedzi mipfumbamwe mai vakazvitakura
Kushinga kwaamai yemurawo mwanangu
Mwedzi mipfumbamwe mai vakazvitakura
Usati vakakutuma iwe woti munonetsa
Uchavaripa riini basa ravo ravakaita
Usati vakakutuma iwe woti munoshusha
Uchavaripa riini basa ravo ravakaita
Iwe yemurawo amai nababa
Yemura yemurawo amai nababa
Iwe yemurawo amai nababa
Yemura yemurawo amai nababa
Kuti unzi ticha zvakabva kuvabereki
Yemura yemurawo amai nababa
Kunzi wakanaka zvakabva kuvabereki
Yemura yemurawo amai nababa
Yemura yemurawo amai nababa
Yemura yemurawo amai nababa
Yemura yemurawo amai nababa
Yemura yemurawo amai nababa
Ah umm iwe Siphiwe!
Baba!
Eh chimbondicherera mvura yekunwa uko
Haa baba munonetsavo imi haa imi haa
Aikazve manje so ha va'mana
Eh Jimi!
Baba!
Chimbonditorera foja yangu iri mumba umu
Ah baba pane pandiri kumhanyiraka mudhara
Vakomana manje so
Ha vakomana ende zvakaoma
Ko zvandichazotiwo ndakabereka zviri kupi?
Ukamutuma zvanzi hee munonetsa
Ukatuma uno kwanzi hee ndinoda kuenda kudhindindi
Iwe yemurawo amai nababa
Yemura yemurawo amai nababa
Iwe yemurawo amai nababa
Yemura yemurawo amai nababa
Kuti unzi ticha zvakabva kuvabereki
Yemura yemurawo amai nababa
Kunzi wakanaka zvakabva kuvabereki
Yemura yemurawo amai nababa
Yemura yemurawo amai nababa
Yemura yemurawo amai nababa
Yemurawo yemurawo amai nababa
Yemura yemurawo amai nababa

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists