Kishore Kumar Hits

John Chibadura & Tembo Brothers - 5000 Dollars (Kuroora) lyrics

Artist: John Chibadura & Tembo Brothers

album: 5000 Dollars (Kuroora)


Gogogoyi baba, tisvikewo pano
Svikai zvenyu, tingakubatsirai nei
Baba tauyawo pano kuzotsvagawo hukama
Toda kuroorawo pano
Hoo moda kuroora pano, right
Kana moda kuroora pano tinoda
Five thousand dollars namombe makumi matatu
Pasina izvozvo yenda zvako shamwari
Ahh baba hamuone kuti matiomesera here baba
Handisi kuomesa ndizvozvo zvinoda inini
Ahh baba saka hamusi kuziva zvamuri kuita ka imi
Ahh, handisi kuziva zvandiri kuita inini
Iwe unoziva mubvumbi, mvura inonaya six to six
Ndozvinoita zvibhakera zvangu
Ndokubeta manje so
Yenda zvako shamwari kumba kwako
Sara zvako, mudiwa wangu Mary
Sara zvako, uroorwe nevakapfuma
Sara zvako, mudiwa wangu Mary
Sara zvako, uroorwe nevakapfuma
Mari yandakachajwa nababa vako Mary, handiyikwanise
Roorwa zvako nevakapfuma
Mari yandakachajwa nababa vako Mary, handiyikwanise
Roorwa zvako nevakapfuma
Zviuru zvishanu zvema dollar, mombe makumi matatu
Sara zvako ndakoniwa
Zviuru zvishanu zvema dollar, mombe makumi matatu
Sara zvako ndakoniwa
Mari yakawanda zvakadaro, ndoiwanepiko ini
Sara zvako ndakoniwa
Mombe dzakawanda zvakadaro, ndodzitenga neiko ini
Sara zvako ndakoniwa
Mudiwa wangu, mudiwa wangu, hurombo, hurombo kani
(Roorwa zvako nevakapfuma mudiwa wangu)
Mudiwa wangu usandizonde ini
(Roorwa zvako nevakapfuma mudiwa wangu)
Mudiwa wangu usandizonde ini
(Roorwa zvako nevakapfuma mudiwa wangu)
Mudiwa wangu haisi mhosva yangu ini
(Roorwa zvako nevakapfuma mudiwa wangu)
Mudiwa wangu haisi mhosva yangu ini
(Roorwa zvako nevakapfuma mudiwa wangu)
Hurombo hwandiri nahwo ini
(Roorwa zvako nevakapfuma mudiwa wangu)
Hurombo hwandiri nahwo ini
(Roorwa zvako nevakapfuma mudiwa wangu)
But mwana uye ndaimuda mhani, heee
But mdhara wacho manje
Haa but mari arikuida wena
Serious
Zviuru zvishanu
(Ufunge)
Mombe makumi matatu, ha ha ha ha
Haa haiwa, hazviite wena, apa anyanya apa
Mudiwa wangu, mudiwa wangu, hurombo, hurombo kani
(Roorwa zvako nevekapfuma mudiwa wangu)
Mudiwa wangu usandizonde ini
(Roorwa zvako nevakapfuma mudiwa wangu)
Mudiwa wangu usandizonde ini
(Roorwa zvako nevakapfuma mudiwa wangu)
Mudiwa wangu haisi mhosva yangu ini
(Roorwa zvako nevakapfuma mudiwa wangu)
Mudiwa wangu haisi mhosva yangu ini
(Roorwa zvako nevakapfuma mudiwa wangu)
Hurombo hwandiri nahwo ini
(Roorwa zvako nevakapfuma mudiwa wangu)
Hurombo hwandiri nahwo ini
(Roorwa zvako nevakapfuma mudiwa wangu)
Mari yandakachajwa nababa vako Mary, handiyikwanise
Roorwa zvako nevakapfuma
Mari yandakachajwa nababa vako Mary

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists