Kishore Kumar Hits

John Chibadura - Mukadzi Wamakandirorera lyrics

Artist: John Chibadura

album: The Best Of


Amai ndinokumbira ruregereoro
Pamukadzi wamakandiroorera
Takarambana, takatadza kuwirirana
Amai ndinokumbira ruregerero
Pamwana uya wamakandiroorera
Takarambana, takatadza kuwirirana
Parudo rwedu chairwo taiwirirana
Kana mumba medu chaimo taiwirirana
Kana hama dzangu aidzibata zvakanaka
Hapana kana chimwechete chandaimushora inini x2
Takazopesana pandakamubata nechikomba
Asi mukadzi uye ndaimuda amai x2
Ndikati zvirinani kurora mukadzi anoroya
Pane kuroora anopa rudo rwangu kumunhu wese wese
Amai ndaramba in
Ndikati zviri nani kuroora mukadzi anomuka
Pane kuroora anopa rudo rwangu kumunhu wese wese
Amai ndaramba ini
Ndakakudzai wani amai
Inga ndakakudzai wani amai
Kuti dai mandirega ndatsvagawo wangu wandinoda x4

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists