Kishore Kumar Hits

Jae - Distorted Love lyrics

Artist: Jae

album: G.I. Jae


Aiyere ndeha, uwerere, uwerere
Aiyere ndeha, uwerere, uwerere
Aiyere ndeha, uwerere, uwerere
Aiyere ndeha, uwe here vana muchakura
Ho kutamba ipapo
Aiyere ndeha, uwe here vana muchakura
Rimwe zuva totaura
Zvakanaka topupura
Zvakaipa totsiura
Ihere ndeha muchakura
Haiwa naMwari ngwarira kuparara
NaMwari ukapusa unoenda
NaMwari ngwarira kuparara
NaMwari ukapusa unoenda
Teereresa unyerere
Chibata mazwi uchengete
Yambiro dzevakuru uteerere
Gwara rakajeka utevere
Kurauone mwana wamai
Kura uone pane nyaya
Kurauone munin'ina
Kura uone pane nyaya
Nyika yakatakura zvinorema iyi
Nyika yakasenga mukwende
Matenga akafukidza zvinorema aya
Matenga akavanza mukwende
Haiwa naMwari ngwarira kuparara
NaMwari ukapusa unoenda
NaMwari ngwarira kuparara
NaMwari ukapusa unoenda
Apo neapo apo, apo, apo, apo
Mbeu yawadyara nedikita
Ngaizokupa chibereko
Ukadyara mafeso
Anokubaya ramangwana
Ukachengeta tsiru
Ichakupa mhuru nemukaka
Asi ukapfuya shumba yesango
Mangwana inoti uri nyama
Haiwa naMwari ngwarira kuparara
NaMwari ukapusa unoenda
NaMwari ngwarira kuparara
NaMwari ukapusa unoenda
Chingwarira zambiringa munyemba
Zino irema munin'ina
Usaita semashizha
Anoyeredzwa nerukova
Usaita sechapungu
Chinoteverana nemhepo
Nyika yakatakura zvinorema iyi
Nyika yakasenga mukwende
Matenga akafukidza zvinorema aya
Matenga akavanza mukwende
(Haiwa naMwari ngwarira kuparara) ngwarira kuparara
(NaMwari ukapusa unoenda) ukapusa unoenda
(NaMwari ngwarira kuparara) ngwarira kuparara
(NaMwari ukapusa unoenda) ukapusa unoenda

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists