Kishore Kumar Hits

Fungisai Zvakavapano Mashavave - Depression lyrics

Artist: Fungisai Zvakavapano Mashavave

album: Orange theWorld


Ndine depression
Ndine stress
Ndine depression
Ndine stress
Ah, ndakambofoseredza relationship
Kuti vana vakure pamwe
Ndaifoseredza relationship
Kuti ndiyarutse vana
Akandisema karekare, akandi-
Akandisvipa karekare, baba
Ndingori ndega baba
Ndingori ndega baba
Ndingori ndega baba
Ndingori ndega baba murelationship

Ndairarira kusvimha misodzi
Hapana aiziva ndaishungurudzika
Kana kwachena ndaisekerera
Moyo uchifunga kuzviuraya
Akandisema karekare
Akandisvipa karekare
Gupuro anga asingade naro
Aida ndisafe ndingori padhuze
Baba ndingori ndega
Baba ndingori ndega
Baba ndingori ndega
Baba ndingori ndega murelationship

BP yaikwira ndichi admitwa
Anga asingauye kuzondiona
Ndopandakatanga kuchiraradza
Kurara mazikope ndisingamuke
Kurasa tariro sendinopenga, ah
Ndakanzwa izwi richidaidzira
Enda kune vamwe usava wega
Tsvaga wekuudza zvinokunetsa
Buda panorwadza unozvigona
Baba ndingori ndega
Baba ndingori ndega
Baba ndingori ndega
Baba ndingori ndega murelationship
Ah, ah
(Maselo papitsa)

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists