Kishore Kumar Hits

Fungisai Zvakavapano Mashavave - Dzoka Kumba lyrics

Artist: Fungisai Zvakavapano Mashavave

album: Orange theWorld


Kune zvinoda munamato
Zvimwe zvinoda kutaura
Zvimwe zvinoda kusimuka
Dzoka kumba, dzoka kumba mwananguwe
Dzoka kumba, dzoka kumba mwananguwe
Zvikange zvaramba dzoka kumba
Ukange waneta dzoka kumba
Usazokanganwa uri mwanawanguwo

Zvaave pfumo rinobaya
Hazvina mhosva
Iye akatanga nebhegi hwani
Ukava chikomborero
Nhasi woimba makomborero achikusema
Hazvina mhosva
Pawasiirwa ipapo tinotangirapo
Dzoka kumba, dzoka kumba mwananguwe
Dzoka kumba, dzoka kumba mwananguwe
Zvikange zvaramba dzoka kumba
Ukange waneta dzoka kumba
Usazokanganwa uri mwanawanguwo

Ehe waishingirira vana
Haa, zvakanaka
Waishingirira imba
Tinozvitenda
Ngazvisakutorera hupenyu, ah
Ukazozvisungirira kwedu tinoshota
Inga wakadadisa dzinza kwedu tinofara
Isu tiripo tinokufarira dzoka kumba
Usazomirire kupondwa dzoka kumba

Waonda kusara uri tsanga, iii
Misodzi kuwanda yenge gungwa
Kushinga kutya guhwa
Muka ipapo ushande uriritire vana
Hauna kuwelderwa pamunhu
Upenyu une hwako
Pawasiirwa ipapo tinotangirapo
Dzoka kumba, dzoka kumba

Kune zvinoda munamato
Zvimwe zvinoda kusimuka
Zvimwe zvinoda kutaura
Muka ipapo ushande uriritire vana
Hauna kuwelderwa pamunhu
Upenyu une hwako
Pawasiirwa ipapo unotangirapo
Dzoka kumba, dzoka kumba
Dzoka kumba

Dzoka kumba, ah
Ah, ah

(Um maselo papizza)

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists