Kishore Kumar Hits

Fungisai Zvakavapano Mashavave - Zuva Rekuguma lyrics

Artist: Fungisai Zvakavapano Mashavave

album: Highway

Misodzi yemwanasikana
Haingaende yakadaro
Kuchema kwevana vaMwari
Hazvipere zvakadaro
Vaya vaiponda hama dzavo
Vachasara vachichema
Vaishungurudza hama dzavo
Vachasara vachichema
Shuwa vanosara vachichema (iyeyeha zuva rekuguma)
Shuwa vanosara vachichema (aheya zuva rekuguma)
Vachamhanya (iyeyeha zuva rekuguma) kumakomo
Zuva rekuguma (aheya zuva rekuguma)
Zuva rekuguma (iyeyeha zuva rekuguma)
Zuva rekuguma (aheya zuva rekuguma)
(Iyeyeha zuva rekuguma) zuva rekuguma
(Aheya zuva rekuguma)
(Iyeyeha zuva rekuguma)
(Aheya zuva rekuguma) zuva rekuguma

Anotadza ngaarambe
Achitadza zvakadaro
Naiye uyo akarurama
Ngaarambe wakarurama
Tarirai ndinokurumidza kudzoka
Mubairo wangu ndinawo
Ndichapa mumwe nemumwe
Maererano nezvaakabata
Vaya vaiponda hama dzavo
Vachasara vachichema
Vaishungurudza vana vadiki
Vachasara vachichema
Shuwa vanosara vachichema (iyeyeha zuva rekuguma)
Shuwa vanosara vachichema (aheya zuva rekuguma)
Vachamhanya (iyeyeha zuva rekuguma) kumakomo
Zuva rekuguma (aheya zuva rekuguma)
Vachamhanya (iyeyeha zuva rekuguma) kumakomo
Zuva rekuguma (aheya zuva rekuguma)
Zuva rekuguma (iyeyeha zuva rekuguma)
Zuva rekuguma (aheya zuva rekuguma)
Zuva rekuguma (iyeyeha zuva rekuguma)
Nezuva rekuguma (aheya zuva rekuguma)

Kaini, Kaini waiteiko mubindu?
Wauraya munun'ina wako
Uchazove rombe panyika
Uchatenderera
Uchadzungaira nenyika
Asi Mwari akuitira nyasha
Wapihwa upenyu hwako
Haungaiti chakanakawo here?
Zvawapihwa upenyu hwako
Nekuti vaya vaiponda hama dzavo
Vachasara vachichema
Vaya vaizvipembedza pakuipa
Vachasara vachichema
Shuwa vanosara vachichema (iyeyeha zuva rekuguma)
Shuwa vanosara vachichema (aheya zuva rekuguma)
Shuwa vanosara vachichema (iyeyeha zuva rekuguma)
Shuwa vanosara vachichema (aheya zuva rekuguma)
Vachamhanya (iyeyeha zuva rekuguma) kumakomo
Zuva rekuguma (aheya zuva rekuguma)
Vachamhanya (iyeyeha zuva rekuguma) kumakomo
Zuva rekuguma (aheya zuva rekuguma)
Zuva rekuguma (iyeyeha zuva rekuguma)
Zuva rekuguma (aheya zuva rekuguma)

Anotadza ngaarambe
Achitadza zvakadaro
Mutsvene ngaarambe
Ari mutsvene zvakadaro
Vaya vaiponda, vaya vaiba
Vachasara vachichema
Uko kuseri kweJerusarema
Kune imbwa navaroyi
Vachasara vachichema
Shuwa vanosara vachichema
Seri kweJerusarema uko, hee
Kune mhondi dzinorura
Kune mhombwe dzinorura
Vachasara vachichema
Shuwa vanosara vachichema
Tarirai ndinokurumidza kudzoka
Mubairo wangu ndinawo
Ndichapawo one by one
Maererano nezvaakabata
Vaya vai- (iyeyeha zuva rekuguma)
Vaya vaishupa vachasara vachichema (aheya zuva rekuguma)
Shuwa vanosara vachichema (iyeyeha zuva rekuguma)
Shuwa vanosara vachichema (aheya zuva rekuguma)
Vachamhanya (iyeyeha zuva rekuguma) kumakomo
Zuva rekuguma (aheya zuva rekuguma)

Kugomera kwavana vaMwari

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists