Kishore Kumar Hits

Fungisai Zvakavapano Mashavave - Kurarama Ndimi lyrics

Artist: Fungisai Zvakavapano Mashavave

album: Highway


Kurarama kwangu ndimi Mwari
Upenyu hwangu ndimi Baba
Kuziva kwenyu henyu Mwari, oh
Hazvaibvira, hazvaigona
Hazvaibvira kuti ndirarame kusvikira nhasi
Kuti ndirarame kusvikira nhasi uno
Hazvaibvira, hazvaigona
Pandakatadza hamuna kubata mweya wekufema
Kuti usadzokezve mandiri
Ndaifanira kufa asi
Hamuna kutora mweya wangu
Iii, Mwari wenyasha, Mwari wenyasha, haa
Mukanzwa tsitsi mukandidzora
Makanzwa tsitsi mukandidzora
Mukanzwa tsitsi mukandidzora
Pandakarwara hamuna kubata mweya wekufema
Kuti usadzokezve mandiri
Ndaifanira kufa asi
Hamuna kutora mweya wangu, hoo
Mwari wengoni, Mwari wengoni
Mukanzwa tsitsi mukandidzora
Makanzwa tsitsi mukandidzora
Kurarama kwangu ndimi Mwari
Upenyu hwangu ndimi Baba
Kuziva kwenyu henyu Mwari, iii
Hazvaibvira, hazvaibvira
Hazvaigona kuti ndirarame kusvikira nhasi
Hazvaibvira, hazvaigona
Kuti ndirarame
Kurarama kwangu ndimi Baba
Upenyu hwangu ndimi Mwari
Kuziva kwenyu henyu Mwari, oh
Hazvaibvira, hazvaigona
Hazvaibvira kuti ndirarame kusvikira nhasi
Kuti ndirarame
Ah, imi Baba
Kutora moyo wangu wakasviba kuti tsvaa
Kuchenesa sechando
Sechando mufunge
Kare haagari ari kare hamawe
Ini zambuko rakare
Nhasi ndazove dziva
Ndaifanira kuva rombe asi
Mwari waona misodzi yangu
Iii, Mwari wenyasha, Mwari wenyasha
Akandiita chiedza chenyika (Baba)
Munyu wenyika
Akandiitaka chiedza chenyika
Kutora moyo wangu wakasviba kuti tsvaa
Waive dhende zvaro, haro aasi
Haana kukurasa kure
Iii, Mwari wenyasha, Mwari wenyasha, ah
Akakuita chiedza chenyika (hoo Babawe)
Munyu wenyika
Akakuita chiedza chenyika
Kurarama kwangu ndimi Mwari
Upenyu hwangu ndimi Baba
Kuziva kwenyu henyu Mwari, oh
Hazvaigona, hazvaigona
Hazvaibvira kuti ndirarame kusvikira nhasi
Kuti ndirarame
Kurarama kwangu ndiwe Mwari
Upenyu hwangu

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists