Kishore Kumar Hits

Fungisai Zvakavapano Mashavave - Pemberai lyrics

Artist: Fungisai Zvakavapano Mashavave

album: Zvirevo


Kushanda ndakashanda maoko seachapera
Mabhuku neanoyera ndichishandira mhuri yangu
Basa ndakabata maoko seachapera
Ini ndakayaura ndichishandira mhuri yangu
Kushanda ndikashanda maoko seachapera
Mabhuku neanoyera ndichishandira mhuri yangu
Bva nhasi zvauya pemberai (gore riya rapera pemberai)
Nguva yangu yasvika pemberai (nguva iya yakwana pemberai)
Pemberai, pemberai kudenga kunaShe (gore riya rapera pemberai)
Pemberai, pemberai kudenga kunaShe (nguva iya yakwana pemberai)
Farirai, fariraika kunaShe (gore riya rapera pemberai)
Pemberai, pemberai (nguva iya yakwana pemberai) farirai

Isu takayambuka mitunhu ine mago
Isu takayambuka
Kufamba tikafamba masango neanoera
Nzizi takayambuka zvanga zvisiri nyore
Kudobata zvinoruma hapana akarumwa
Dai asiri Mwari isu takaparara
Gore riye rapera pemberai (gore riya rapera pemberai)
Nguva yedu yasvika pemberai (nguva iya yakwana pemberai)
Pemberai, pemberai kudenga kunaShe (gore riya rapera pemberai)
Pemberai, farirai kudenga kunaShe (nguva iya yakwana pemberai)
Pemberai, farirai kani kunaShe (gore riya rapera pemberai)
Pemberai, farirai (nguva iya yakwana pemberai)

Isu takayambuka mitunhu ine mago
Isu takayambuka mitunhu ine mago
Isu takayambuka mitunhu ine mago
Isu takapona murutsva vakomana
Kwatakabva ndiko kure, kwatoenda kwava pedyo
Jesu wakatakura bhiza nemutasviwa
Aizviziva ndiani kuti isu tichapona
Inga nhasi tiri pano isu takayambuka
Bva nhasi zvauya pemberai (gore riya rapera pemberai)
Gore riya rapera pemberai (nguva iya yakwana pemberai)
Pemberai, pemberai kani kunaShe (gore riya rapera pemberai)
Pemberai, farirai (nguva iya yakwana pemberai) tambirai
Imbirai (gore riya rapera pemberai) pemberai
Pemberai pemberai (nguva iya yakwana pemberai) kudenga kunaShe

Iwe wakayambuka mitunhu ine mago
Iwe wakayambuka
Dai asiri Mwari iwe wakaparara
Dai asiri Mwari iwe uri zirombe
Ishe wemadzishe akakupa hupenyu
Kuti iwe urarame ushandire mhuri yako
Vese vachazvinzwa uye vachadedera
Muvengi aparadzwa naJehovah Mwari
Gore riye rapera pemberai (gore riya rapera pemberai)
Nguva yedu yasvika pemberai (nguva iya yakwana pemberai)
Pemberai, pemberai kudenga kunaShe (gore riya rapera pemberai)
Pemberai, farirai kudenga kunaShe (nguva iya yakwana pemberai)
Pemberai, farirai (gore riya rapera pemberai) tambirai
Imbirai (nguva iya yakwana pemberai) farirai

Guta rese farirai (gore riya rapera pemberai)
Mhuri yese farirai (nguva iya yakwana pemberai)
Pemberai, pemberai kudenga kunaShe (gore riya rapera pemberai)
Pemberai, farirai kudenga kunaShe (nguva iya yakwana pemberai)
Mhuri yese farirai kudenga kunaShe (gore riya rapera pemberai)
Guta rese pemberai (gore riya rapera pemberai) farirai

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists