Kishore Kumar Hits

Fungisai Zvakavapano Mashavave - Zvirevo lyrics

Artist: Fungisai Zvakavapano Mashavave

album: Zvirevo


Simbe kumujuru enda unodzidza pamuonde
Simbe kumujuru enda unodzidza pamuonde iwe

Simbe kumujuru enda unodzidza pamuonde
Kuti mukadzi akanaka anoshandira mhuri yake
Ende mukadzi akangwara murume wake anovimba naye
Mukadzi benzi, hee, tariraiwo muone
Anoputsa musha wake ega nenungo
Anoputsa musha wake ega pwapwa nenungo
Haa, zvinhu zviedzwaka
Zvikaramba unoedza zvimwe
Mabasa maedzwa
Raramba unotanga rimwe
Nekuti zvimwe zvinoramba, ah
Zvimwe zvinogubvuma (kune vanotenda)
Nekuti zvimwe zvinoramba, ah
Zvimwe zvinotenda (kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu (zvimwe zvinoramba, ah, kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu (zvimwe zvinoramba, ah)
Moyo murefu, moyo murefu (kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu (zvimwe zvinoramba, ah)
Moyo murefu, moyo murefu (kune vanotenda)
(Zvimwe zvinoramba, ah, kune vanotenda)

Zvino zvawagara nhai
Zvawadzokera shure nhai
Wanyarara wati zii
Hope dzakawanda dzakaradza vatenzi nenzara
Ende hope dzakawanda
Dzakapfekedza muridzi wadzo mamvemve
Mukadzi akangwara anoshandira mhuri yake
Ende mukadzi ane tsika
Murume wake anodada naye
Mukadzi benzi, tariraiwo muone
Nekuti zvimwe zvinoramba, ah
Zvimwe zvinobvuma (kune vanotenda)
Eka zvimwe zvinoramba, ah
Zvimwe zvinotenda (kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu (zvimwe zvinoramba, ah)
Moyo murefu (kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu refu (zvimwe zvinoramba, ah)
Murefu refu, murefu refu (kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu (zvimwe zvinoramba, ah)
Moyo murefu (kune vanotenda)

Don't give up too easy, no
Chiramwa hachina ndima
Mukadzi akanaka anoshandira mhuri yake
Ende mukadzi ane tsika
Anoshandira mhuri yake
Mukadzi benzi, hee, tariraiwo muone
Anoputsa musha wake ega pwapwa nenungo
Musha wake ega pwapwa nenungo
Nekuti zvimwe zvinoramba, ah
Zvimwe zvinobvuma (kune vanotenda)
Eka zvimwe zvinoramba, ah
Zvimwe zvinotenda (kune vanotenda) hii
Zvaingoda moyo murefu (zvimwe zvinoramba, ah)
Moyo murefu, moyo murefu (kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu refu (zvimwe zvinoramba, ah)
Murefu refu, murefu refu (kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu mhai (zvimwe zvinoramba, ah)
Murefu mhai, murefu (kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu (zvimwe zvinoramba, ah)
Moyo murefu, moyo murefu refu (kune vanotenda)

Simbe kumujuru enda unodzidza pamuonde
Kuti mukadzi akanaka anovaka imba yake ega
Mukadzi akanaka guta rese rinodada naye
Mukadzi benzi, hii, tariraiwo muone
Anoputsa musha wake ega nenungo, ah
Nenungo
Anoputsa musha wake ega nenungo pwapwa
(Zvimwe zvinoramba, ah, kune vanotenda)
Nekuti zvimwe zvinoramba, ah
Zvimwe zvinobvuma (kune vanotenda)
Zvimwe zvinoramba, ah
Zvimwe zvinotenda (kune vanotenda) hii
Zvaingoda moyo murefu mhai (zvimwe zvinoramba, ah)
Moyo murefu mhai (kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu (zvimwe zvinoramba, ah)
Moyo murefu mhai, moyo murefu (kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu refu (zvimwe zvinoramba, ah)
Murefu refu, murefu refu (kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu (zvimwe zvinoramba, ah)
Moyo murefu, moyo murefu mhai (kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu kani (zvimwe zvinoramba, ah) ah
Moyo murefu mhani

Don't give up so easily (zvimwe zvinoramba, ah)
Ah, haunyare (kune vanotenda) ah
Don't give up so easily (zvimwe zvinoramba, ah, kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu (zvimwe zvinoramba, ah)
Moyo murefu mhai (kune vanotenda)
Zvaingoda moyo murefu (zvimwe zvinoramba, ah)
Moyo murefu (kune vanotenda) moyo murefu
Moyo murefu refu (zvimwe zvinoramba, ah)
Murefu refu, murefu refu (kune vanotenda)

Поcмотреть все песни артиста

Other albums by the artist

Similar artists